Psalms 93

1Jehovha anobata ushe, akashongedzwa noumambo;
Jehovha akashongedzwa noumambo uye akafukidzwa nesimba.
Nyika yakateyiwa zvakasimba; haingazungunuswi.
2Chigaro chenyu choushe chakasimbiswa kare kare;
imi muripo nokusingaperi.

3Haiwa Jehovha, makungwa akasimudza,
makungwa akasimudza manzwi awo;
makungwa akasimudza mafungu anotinhira.
4Mukuru kukunda kutinhira wemvura zhinji,
mukuru kukunda mafungu egungwa,
Jehovha ari kumusoro ndiye mukuru.

5Zvamakatema hazvishanduki;
utsvene hunofukidza imba yenyu imi Jehovha,
kwamazuva asingaperi.
Copyright information for SnaBDSC